Job 17

1Mweya wangu waputsika,
mazuva angu aitwa mashoma,
guva rakandimirira.
2Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza;
meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.

3“Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda.
Ndianiko achandiisira rubatso?
4Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa;
naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
5Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro,
meso avana vake achapofumara.

6“Mwari akandiita shumo kuvanhu vose,
munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
7Meso angu aneta nokuchema;
muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
8Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo;
vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.
9Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo,
uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.

10“Asi uyai, imi mose, edzaizve!
Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.
11Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa,
saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.
12Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati;
mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’
13Kana musha wandinotarisira uri guva chete,
kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima,
14kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’
nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’
15ko, tariro yangu iripi zvino?
Ndianiko angaona tariro yangu?
16Ichaburukira kumasuo orufu here?
Tichaburukira muguruva pamwe chete here?”
Copyright information for SnaBDSC